Discover millions of ebooks, audiobooks, and so much more with a free trial

Only $11.99/month after trial. Cancel anytime.

Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa
Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa
Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa
Ebook278 pages5 hours

Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa

Rating: 2 out of 5 stars

2/5

()

Read preview

About this ebook

Zviri muchinyorwa chino
Chinyorwa chino chakabva pamibvunzo yaibvunzwa munyori maererano nekuroora, kuroorwa kana kuroorerwa, paainge achashanda semupristi weSangano reKatorike. Mibvunzo iyi yaibva zvose kune vechikuru nevechidiki, vachida kuziva kuti zvinotevedzwa ndhezvipi. Nokudaro, ichi chinyorwa chine chinangwa chekurerutsira avo vanenge vogadzirira kuroora, kuroorwa kana kuroorerwa, kuti vazive kuti zvekugadzirira zvacho ndhezvipi, uye matanho avanotevedza ndheapi. Nekuda kwezvizvi, mukati mechinyorwa chino, munyori anobata nyaya yekuti mukomana kana musikana anotanga kuzivisa ani kuti ave kuroora kana kuroorwa, vaziviswawo ava vachizozivisa ani. Munyori anobatazve nyaya huru yekuti zuva rekuroora kana kuroorwa rinorongwa sei, uye zvinobviswa nemukomana seroora ndhezvipi, munyori achipa tsanangudzo yekuti zvibviswa izvi zvinorevei. Izvi zvese zvinonangana nekubatsirawo zvakare avo vanenge vachiroorerwa, vanowanawo gwara rekutevedza pakuronga chiitiko ichi nenongedzo yekuti zvavanoreva kumukuwasha ndhezvipi. Muchinyorwa chino muverengi anowana mutsauko pakati pezvaibviswa kare nezvinobviswa mukore wanhasi pakuroora. Nyaya yekuroora kana kuroorwa inobata iyo yemuchato wechirungu newechiShona, kufanana kana kusiyana kwazvo. Achti muchato wechirungu munyori haasi kungoreva kuchata kunoitwa pakati pevarungu, asi nyangwe pakati pevanhu vechidhaka vega, vachitevedza nzira dzechirungu. Chaanoti muchato wechiShona ndhiko kuroora kana kuroorwa, unova muchato usingaitwe nezuva rimwechete sewechirungu, nekuti une zvinhanho zvine chitsama zvinosanganisira kubviswa kweroora, kutarwa kwemuroora, kupururudzirwa nekuperekwa kwemuroora, kusungira, nekutara mwana. Munyori anobatazve nyaya yemutsauko pamaitiro pakati pematunhu, pazvibviswa. Anobatazve nyaya yeramangwana rekuroora kana kuroorwa, maererano nekusanduka kuri kuita zvinhu. Zvino kana varoorana vapedza zvirango zvavo, chinotevera kugara vese. Asi zvinozivikanwa kuti dzimwe dzimba dzine kusawirirana pakati pemukadzi nemurume, dzimwe dzichitoparara. Nokudaro chinyorwa ichi chinozopedzisa nekukurukura izvo zvinobatsira kuti ivo varoorana vagarisane zvakanaka, nekupenengurazve zvinokanganisa kugarisana kwavo. Nechinyorwa chino, nyangwe vagara varivanoziva kuti vanofamba nepapi pakurongera kuroora, kuroorwa kana kuroorerwa, vave nepavanogonawo kuti kune abvunza “enda undoverenga pekuti”. Asi chinonyanya kukoshera vaye vechidiki nevechikuru kunyanya vari kunze kweZimbabwe, vanenge vogadzirira kundoroora, kuroorwa kana kuroorerwa asi vari kure nehama dzingavarayire kuti vanozvifambisa sei.

LanguageShona
Release dateJul 7, 2017
ISBN9781370916207
Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa
Author

Athanasio Dzadagu

Athanasio Dzadagu was born in Harare, Zimbabwe, on 1 June 1962. After completing Primary School education at Chindotwe Primary School in Musana Communal Area in 1976, he went to embark on training for priesthood at St Charles Lwanga Minor Seminary in Chimanimani, near Mutare, in 1977. Having successfully completed his GCE "O" Level studies in 1981, he proceeded to higher studies for priesthood at Chishawasha Regional Major Seminary in 1982. He completed these studies in 1989, emerging with a BA Honours degree in Religious Studies from the University of Zimbabwe, in combination with successful completion of his priestly studies. Following ordination to priesthood in 1989, Athanasio Dzadagu worked at the following parishes in Zimbabwe: Mt St Mary's Hwedza (1990), Chihota (1991) and St Michael's Mission in Mhondoro (1992-1996). In August 1996 he went to Britain to undertake further studies, completing a Master's degree in Systematic Theology and a PhD in the Study of Religions at the University of London. After completion of his PhD studies, circumstances dictated that he stay on in Britain, contrary to original plans. In 2001 Athanasio Dzadagu founded the Zimbabwean Catholic Community in England and Wales, which has become known worldwide in Catholic circles as a successful and vibrant organisation. Founding this organisation was actually one of the major reasons why the Archdiocese of Westminster, especially one of the then auxiliary bishops of the said diocese, did not want him around, even though they were delighted to take over the organisation and boast of its sound structures. Following the breakdown of his relationship with the Archdiocese of Westminster, Athanasio Dzadagu left the priesthood in October 2014, after twenty-five years of ministry. Apart from "Zvinotevedzwa Pakuroora kana kuroorwa", Dzadagu is also the author of two other books: "Now That The Dust Has Settled" and "Recollections and Reflections". "Recollections and Reflections" covers his relationship with the Archdiocese of Westminster. In addition to being an author on religious and cultural matters, Dzadagu is also a qualified psychotherapeutic counsellor, specialising in relationship and bereavement counselling.

Reviews for Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa

Rating: 2 out of 5 stars
2/5

2 ratings0 reviews

What did you think?

Tap to rate

Review must be at least 10 words

    Book preview

    Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa - Athanasio Dzadagu

    Chinyorwa chino ndinochiteketera kune Munin’ina wangu Augustine Dzadagu (Baba vaNyaradzo). Nyangova aiva muduku kwandiri pazera, kuwana kwaakaita mukana wekupinda mumatare akawanda emumisha, kwakamupa ruzivo rwakadzama rwezvitevedzwa zvechiShona zvaitikoshera semhuri, zvimwe zvaaizondipakurirawo ini mukuru. Ndinoteketerazve chinyorwa ichi kuMukoma wangu Albert Dzadagu. Mukoma wangu uyu aiva neshungu dzakanyanya dzekunyora zvinyorwa zvechiShona, zvakare aiva nehudzamu hwenzwisiso yemutauro wechiShona. Akatombhonyora imwe nhetembo isina zvayo kuzodhindhwa kuti iverengwe neruzhinji, yainge iri maererano nembada yemune rimwe gomo remaMusana rinonzi Zhungumira. Hongu vese vari vaviri vakatisiya, asi ruzivo rwavo ndinoruremekedza nechinyorwa chino. Kureva kuti nokuda kwechinyorwa chino ruzivo rwavo neshungu dzavo hazvirovi.

    Nhendo

    Ndinopa kutenda kumudzimai wangu Chivimbiso Mudariki nerutsigiro rwake senguva dzose pabasa rangu rekunyora. Pamwechetepo ndinotendawo mwana wedu Kudzwai Dzadagu. Nekuti vari vaviri vakave nekukwanisa kundipa mukana wekunyora chinyorwa chino, kusanganisira panguva dzavaidawo kuti nditandare navo. Asi ndinodavira ndaizoyeuka kuzombhovawanisawo nguva yekumbhotandara tose. Kumhuri yandakaberekwa ndinonyanya kutenda munin’ina wangu Augustine Dzadagu (Baba vaNyaradzo), akava munhu wekutanga kundinyorera zvitevedzwa zvepakuroora kana kuroorwa mugore ra 2011, achizotisiya kuvamba kwa 2012. Akanyora mativi emapepa anonzi A4 angakwane matatu. Ndakamukumbira kuti andiitire izvi ndisati ndasvika pakuti ndichinyora chinyorwa chacho chizere sazvino. Ndozocheuka shure, zvinoita sekunge ndainge ndafemerwa kuti ndikasamukumbira panguva iyi, mugore iri, handaizowana mukana uyu zvakare. Chakava chimwe chezvinhu zvekupedzisira zvaakandiitira. Matendo angu anoendawo zvakare kune Mukoma wangu Albert Dzadagu, aiva neruzivo rwakadzama rwerurimi rweShona, neshungu dzekunyora zvinyorwa mururimi urwu, nyangwe hadzo dzisina kuzozadzikiswa. Handikanganwe kutenda avo vakuru vemumhuri yangu yekuberekwa vachiripo vandakakurukurawo navo vachinditsetsenurira dzimwe nhivi dzemaitiro epakuroora kana kuroorwa, savaTete vangu vekuTsatse (Mbuya vaPeace vatinonyanya kudaidza kuti VaTete Dhorika), naMai vekwaMurehwa, kuChemapango, (Mai Chin’ono, munin’ina waMai nyakunditumbura). Zvinokoshazve kupa matendo kune avo vemuboka revaKatorike vekuZimbabwe vari muBritain, vakagara vachisuwira kuti ndinyore chinyorwa mururimi rwaMai naBaba. Avo vese vakambhondibvunza mibvunzo maererano nezvekuroora kana kuroorwa, kunyanya pandaishanda semufundhisi (mupriste) weSangano reKatorike, vachifunga kuti nenhanho yandaiva nayo iyi ndaiziva zvinhu zvose. Nokudaro vaifunga kuti ndingakwanise kuvabatsira panyaya yakadai. Nekuona kudai kuti pane vaida rubatsiro panyaya, zvakazosvitsa pakuti ndinyore chinyorwa chino. Vaindibvunza ava ndinovatenda nekuti vakadyara mandiri shungu dzekuita tsvakiridzo yezvemusoro uyu wezvinotevedzwa pakuroora kana kuroorwa. Ndinotendazve avo vose vanyori vane zvinyorwa zvemururimi rweShona zvandakaverenga, zvakandipawo shungu yekuda kugoverana nevamwe zvimwe zvimedu zvemutsika dzedu dzechiShona, kunyangwe zvinyorwa zvavo zvaiva zvedzimwewo nyaya. VaJoseph Foroma vanokodzera matendo anguwo zvakare, nokugoverana neni zvimedu zvavanoziva nenzira yakatsetseka panyaya yezvitevedzwa zvekuroora kana kuroorwa. Ndinotendazve iyo imwe nhengo yeboka revaKatorike vekuZimbabwe vari Britain yakasununguka kundipa hurongwa hwavakambhoshandisa kumhuri kwavo, nyangwe zvangu ndisingadome zita ravo, kuti vemhuri yavo vasazoti ndavafumura. Asi hazvo zvakadaro kunenge kusiri kufumura, kunenge kuchitova kudzidzisa vamwe veruzhinji zvitevedzwa zvechiShona panyaya iyi. Kwekupedzisira ndinoda kutenda Va Tirivangani Kingston Michael Rudenya. Uyu murume ane hudzamu hwenzwisiso yemaitiro evaShona, nyangova zvikasareva kuti vanoziva zvese, kana kuti hapana angapikise manzwisisiro nemaziviro avo pane mamwe mapandiko. Hurukuro dzandionoita navo maererano nenyaya dzakadai seyandiri kunyora pano, dzinopfumisa njere zvakanyanya.

    Zviri mukati menyaya ino

    Nheketero

    Nhendo

    Nhanganyaya

    Chitsauko chechiposhi: Zvinhanho zvinotevedzwa pakuroora kana kuroorwa

    Chitsauko chechipiri: Zvinobviswa nemukuwasha pakuroora

    Chitsauko chechitatu: Zvinotevera mushure mekubviswa kweroora

    Chitsauko chechina: Siyano yematunhu nenguva

    Chitsuko chechishanu: Ramangwana rekuroora kana kuroorwa

    Chitsauko chechitanhatu: Zvingabatsire pakugarisana kwevaroorana

    Chitsauko chechinomwe: Zvingakanganise kugarisana kwevaroorana

    Mheto

    Nhoroondo yemunyori

    Nhanganyaya

    Chisakiso chikuru chekuti munyori anyore chinyorwa chino ndhechekuti paaishanda basa rehufundhisi kana rehupristi muSangano reRhoma, rinova basa raakashanda kwemakore akawanda, aisangana nemibvunzo nguva nenguva iri maererano nezvinotevedzwa pakuroora kana kuroorwa. Sekuziva kungaite vafundhisi vakawanda, hakuna chisingabvunzwe kwavari nenhengo dzeSangano ravo rekunamata kana Kereke, ndhokunge iye mufundhisi achivapa mukana wacho zvikuru achiita nguva yekutandara navo. Nhengo dzeSangano dzinobva dzatora kuti sezvo mufundhisi akamiririra Mwari, vanonzi vanoziva zvose, naiyewo mufundhisi anoziva zvese. Ndhiko kusaka vamwe vachibva vazofungawo zvakare kuti vafundhisi vane masimba ose sezvinotenderwa maererano naMwari, zvekuti anogona kuita kuti mbavha ive munhu akanaka, murume anoshusha ave akanyorova, chikwama chashayikwa chiwanikwe, chirema chipore, anorwara nehosha ipi zvayo apore, uyo ari kushaya basa, murume, mudzimai kana mbereko azviwane izvi zvose. Zvino panyaya yemibvunzo inobvunzwa nenhengo dzeSangano apa, inosanganisira zvinotevera izvi: zvehutano, zvemabasa (kuatsvaga kana kuti maitiro angaitweko), zvepekugara, zvekugarisana mumhuri, kugarisana kwevakaroorana, zvedziidzo, zveminamato, zvemuBhaibheri, zvekuzvipira kwenhengo dzeSangano, zvekuregerererwa kwezvitadzo, zvekuti Sangano chairo rinonyatsosebedza vanhu pana Mwari ndheripi, zvematongerwo enyika, nezvimwewo. Nokudawo kwekuti Mwari vanotenderwa kuni vanoona zvichazoitika, dzimwe nhengo dzeSangano dzinobvunza mufundhisi kuti avaudze zvichazoitika. Pane zvichazoitika, nhengo dzeSangano dzinogona kubvunza kuti mvura ichanaya here zvinokwana gore iri, achakunda pasarudzo yezvematongerwo enyika ndhiani, mutungamiriri wenyika achafa here gore iri kana kwete, nhengo yemhuri iri kurwara ichapora here kana kwete, iye ari kubvunza achawana basa, murume kana mudzimai here mukati megore iri, zvichingodaro. Zvichida ndhicho chikonzero chekuwanda kwemapoka anotungamirirwa neavo vanonzi vaporofita nhasi uno, vanenge vachitaurira vanhu zviri muupenyu hwavo, nezvichazoitika. Vanobva vapihwa mbiri yekuti vanoona zvikuru, nyangwe vachinge vaudzwa zvavo kare nevanoziva vanhu ava.

    Zvino tichidzokera panyaya yechinyorwa chino, munyori paainge achiri mubasa rehufundhisi iri, mibvunzo yezvinotevedzwa pakuroora kana pakuroorwa yaibva kune vezera rechiduku, zvese nevamwe vechikuru. Vechikuru vaibvunza ndheavo vainge vogadzirira kuroorerwa, vasingazive kuti vanoreva zvipi kumukuwasha, uye vachida kuziva kuti nhanho yavo inenge iri yei pamusi wehurongwa hwakadai.

    Tiri panyaya yekuroora kana kuroorwa iyi, nyangwe zvazvo munyori aiziva zvekudavirira muruzhinji, ainge asina ruzivo rwekuti agomira ari ega achitsanangudzira mubvunzi zvizere. Iye aitova nemagwanza akawanda muruzivo rwake panyaya idzi. Zvaaiziva ndhezvekuti kune tsvakirai kuno, mindya, rusambo, mombe yeHumai, chigaramakomucha, matekenyandebvu, mombe yenhongo, nezvimwewo zvishoma. Izvi azvizivira kubva pane rimwe dare rekuroorerwa raakapinda achine mukaka pamhuno. Kune zvinobata munhukadzi aiziva kuti kune kunhonga, kuperekwa, kupururudzirwa nekupa mvura, nezvimwewo zvishoma zvakare. Pane zvaaiziva izvi, kwaingova kuziva mazita azvo, pasina nzwisiso yetsanangudzo yekuti zvinombhorevei, kana kuva neruzivo rwekuti mukuwasha angatemerwe zvakadii pane chimwe nechimwe chazvo.

    Saka pakuedza kubatsira vaimubvunza ava nezvekuroora kana kuroorwa, aitozotanga atsvagawo vamwe vekubvunza, vaive neruzivo rwakatambanuka, ozodzoka nemhinduro kune vamubvunza ava. Zvino nekuona kuwanda kwevaimubvunza zvinhu izvi nguva nenguva, achiona zvakare kuti kune vakati wandei vekuZimbabwe vemazera maduku vave kugara kure nevabereki uye nemhuri dzavo, zvikuru avo vave kugara kune dzimwe nyika, kusanganisira mhiri kwemakungwa sekwaigarwa naiye munyori, akaona chiri chinhu chakakosha, kuchiumba chinyorwa chekubatsira vechidiki ava pavanenge vazotarisana nedanho rekuroora kana kuroorwa. Nokudaro akafunga kuchiita tsvakiridzo yakatambanuka yezvizvi. Ndhipo paakakumbira munin’ina wake Augustine Dzadagu (Baba vaNyaradzo) mugore ra 2011 kuti amupakurire zvaaiziva, achitarisira kuti iye munin’ina wake paaive nemagwanza muruzivo rwakewo aizozadzikisa nezvaainge abvunza kune vamwe iko kuZimbabwe kwakare. Munyori akadai kukumbira munin’ina wake nekuti uyu aiva neruzivo rwakatambanuka kudarika rwaiye mukoma panyaya dzakadai, pakunge ari ainge apinda matare akawanda emumisha asina kupindhwa nemukoma wake uyu. Munin’ina wake akaita izvi, akamutumira chinyorwa chemashizha matatu emwero weA4. Ave kuzorangarira mushure mekufa kwemunin’ina uyu, munyori akazvibvunza kuti zvairevei kunge akumbira munin’ina wake kumuitira izvi muna 2011, achibva azofa mukuvamba kwegore ra 2012, kuita sekunge ainge afemerwa kuti chimbidza kubvunza munin’ina wako nekuti haachina nguva yakareba uinaye. Asi panguva iyi munin’ina ainge asina dambudziko rehutano zvachose. Zvisinei munyori akazowedzerawo pane zvaakawana kubva kumunin’ina wake izvi zvimwe zvaakazowanawo kune vamwe vaanodoma munhendo yake, kuti azoumba chinyorwa chino.

    Dambudziko remukomana kana musikana wanhasi ari kugara kure nemhuri, zvikuru kunze kweZimbabwe, panyaya yekuroora kana kuroorwa, rinowedzerwa nekuda kwekuti vakawanda vari kuroora kana kuroorwa vari ikoko kunze kwenyika yeZimbabwe, kunyanya kumhiri kwemakungwa, vachiroora madzimai ari ikoko kana kuroorwa nevarume vari ikoko. Saka pakadai kazhinji panenge pasina Mubereki, Tete, Sekuru, kana Mukoma angatsigire nerayiro yekuti ofambisa nyaya yake akadii. Vamwe vanoguma vakurukura nevamwe ava vari kuZimbabwe panhare, asi nguva dzose mushure mehurukuro, vachicherechedza kuti pane zvimwe zvisina kujekeswa nemubereki kana mukoma uyu kana kuti zvaasingazivewo. Vamwe vanoguma vongoenda kune vamwe varikowo mhiri kwemakungwa ikoko vanoita kunge vechikuru, uye vachiita kunge vane ruzivo, kuti vavabatsire nekuvatsanangudzira kuti zvinofambiswa sei. Zvino hongu variko vamwe ivava vechikuru vakadai variko mhiri kwemakungwa kana kunze kweZimbabwe vane ruzivo, asi varikowo pakati pevava vanenge vaine magwanza akawanda munzwisiso yavo, nekuda kwekusapinda mumatare akadai nguva nenguva, nekudawozve kwekuti vari kurekure nevamwe vari kuZimbabwe. Saka munyori akaona chinyorwa chakadai chichizobatsirawo nevamwe vechikuru vakadai, pakunge votsigira mwanakomana kana hama yechirume pakundoroora kana kuti kana voroorerwa.

    Zvinenge zvisingazivikanwe pakundoroora kana pakundoroorwa, zvikuru nevagere kure nemhuri dzavo ava, zvinosanganisira izvo zvekuti ipo paanofunga zvekundoroora kana kuroorwa anofanira kutanga kuudza ani, kuchizotevera upi, uye kuti anofanira kuenda nani pakuita izvi, kwozoti, zvii zvinondorongwa ikoko padare rekutanga neayo ose anotevera. Nyangwe akava neruzivo, pamwe osaziva kuti zvaanotevedza izvi zvose padanho regarega anozviita nechikonzero chei.

    Chinyorwa ichi hachaizobatsira avo vagere kure nemhuri dzavo chete, zvikuru kunze kwenyika, kwete. Munyori akaona kuti nyangwe ivo vamwe vemazera maduku vagere muZimbabwe, vanoita dambudziko zvakare rekushaya wekubvunza kana vasvika pamatanho aya, nekuda kwekunge vechikuru vekwavo vakawanda vakafa nekuchembera, asi zvikuru nezvirwere, kunyanyisa chemukondombera kana shishita. Nekuda kwehosha iyi, variko vana vakawanda vari kukura vari vega, vabereki zvose nevakoma nehanzvadzi huru kwavari vafa. Pavaduku ava vari muZimbabwe, chinyorwa ichi chaizobatsira vari muzvikoro kukurukura nyaya yekuroora kana kuroorwa, vachipenengura mafambisirwo azvo, nekuzvinzwisisa, uye nekupa pfungwa dzavo maererano nekodzero kana kushaya kodzero kwekuroora kana kuroorwa. Zvaizorevawo kuti avo vadiki vanenge vasina mukana wekubvunza vakuru kumisha kwavo nezvenyaya iyi, kana kuti vasina vakuru vacho vekubvunza, vaigona kuzodziidza nezvayo kuchikoro.

    Zvotiwo ivo vechikuru variko kuZimbabwe, hongu nyangwe pakati pavo paine vakawanda vane ruzivo rwekuti zvinotevedzwa ndhezvipi, wese akambhopinda mumatare akaita sekugadzirira kundoroora kana kuroorwa anoyeuka pachiitwa makakatanwa ekuti chinotanga kuitwa kana kurehwa chii, kuchizotevera chipi. Zvakare kunoita vamwe vanenge vakurukura vosvika pakuti zvese zvinoda kuitwa taronga, tapedza, asi pozosvika mumwe muvakidzani anovayeuchidza chimwe chinokosha chavanga vakanganwa. Kwotizve nekuda kwekusiyana kwemaitiro mumatunhu akasiyana emuZimbabwe, vamwe vari kuzoguma vachireva zvinobviswa nemukuwasha kaviri, nekusaziva kuti chinhu chimwechetecho chinodaidzwa nemazita akasiyana kumativi akasiyana eZimbabwe, sezvakaita hotamo nemhandamidzi. Saka ivo vamwe vechikuru variko kuZimbabwe vaizobatsirikawo nechinyorwa ichi.

    Munyori akaona chinyorwa chakadai chiri chaizobatsira kwete veSangano reRhoma chete, asi nevamwewo veruzhinji vemuZimbabwe, zvikuru vechiShona, vangave nhengo dzemaKereke akasiyanasiyana kana kwete. Chaizova chinyorwa chaibatsira vamwe vafundhisiwo zvakare, kwete veSangano reRhoma chete, pakuzenge vabvunzwa nenhengo dzemaKereke avo.

    Kunze kwekubatsira vasina ruzivo kana vane magwanza muruzivo rwavo, munyori akaonawo zvakare kuti iko kungova nechinyorwa chezvinhu zvakadai, kunyangwe dai munhu wose aiziva nezvazvo, kunokosha. Kukosha kwacho kuri pakuti vemakore achatevera vanozobatsirika, pakunge votarisa vachida kuziva kuti zvaitevedzwa nevakuru vavo panyaya dzakadai ndhezvipi. Nekuti ivo vane ruzivo varipo nhasi uno, mangwana vachange vasisipo, vaye vemazera echiduku vosara vave padambudziko rekuti vofamba vakadii. Saka kunge zvinozivikanwa nevakuru izvi nhasi uno zvanyorwa pasi kana kuti muchinyorwa sechino, kana pamakukutaruzivo aye anonzi muchirungu ma computer, zvinozobatsira kuti vemazera maduku vasazotenderera njere kana vasvika pamatanho aya okuroora kana kuroorwa. Uyezve nyangwe iye nhasi uno kukashanya vanhu vedzimwe nyika vachida kuziva kuti zvirongwa zvakadai zvinofambiswa sei muZimbabwe, kunyanya nevanhu vechiShona, vanenge vabvunzwa vaye havazonangana nekupotedza nyika yose vachitsvaga vane ruzivo vekukurukura navo, kuti vazotsanangudzira vaenzi ava mushure, kana kuzorayira vaenzi ava kuti vandoona vanenge vaine ruzivo ava. Zvino nekunge chinyorwa chakadai chavepo, vanenge vabvunzwa vanongotora chinyorwa ichi votambidza vaenzi ava, kana kuti vovapirikirira zvirimo. Handi vaenzi chete vanopfuurawo zvavo, vangakosherwe nekutsanangudzirwa zvitevedzwa izvi. Zvinokosha kuyeuka kuti kune vanhukadzi vemuZimbabwe vane chitsama vari kuroorwa nevarume vemarudzi asiri emuZimbabwe, kuchiitawo vanhurume vane chitsama vari kuroora madzimai emarudzi ekunze kweZimbabwe, kusanganisira varungu nevekunyika dzeku Ezhiya (Asia). Vavanoroora kana kuroorwa navo ava vanenge vachizobvunza mibvunzo pane zvimwe zvavanotarisirwa kuita pakuroora kana kuroorwa kwavo. Nokudaro kana paine chinyorwa, kunenge kwava kuchichitorazve nekuchishandisa pakutsanangudzira vamwe vavo ava zvimedu zvavanenge vachida kunzwisisa.

    Panyaya yekuva nezvakanyorwa apa, nyangwe zvazvo zvichiremekedzeka zvikuru izvo zvekuchengetedza ruzivo munjere, ruchigamuchidzanwa nemuromo kumazera nezvizvarwa zveshure, zvinokosha kusakanganwa chazuro ngehope. Nekuti nyaya yekusava nezvinhu zvakanyorwa yakawedzera zvakanyanya kushorwa kwevanhu vemuAfrica, vachishorwa nevenyika dzevarungu, dzekuEurope, pakusvika kwavakaita muZaranyika (Continent) reAfrica. Venyika dzeku Europe ava vaiti kana vasvika pasina chakanyorwa, uye pasina anokwanisa kunyora, vobva vati rudzi urwu harwuna ruzivo, uye harwuna kodzero yekuti rwuti nzvimbo yekuti ndheyavo, kana kuti munhu nemunhu werudzi urwu ati nzvimbo kana chinhu chekuti ndhechake. Chikonzero chaiva chepfungwa yavo yekuti izwi rekutaura nemuromo handi rekuvimba naro. Izwi rinoremekedzwa ndherinenge rakanyorwa chete. Saka pavainge vawana pasina anokwanisa kunyora, ivo vekuEurope vaibva vanyora pakarepo, zvaiwirirana nemafungiro avo, vobva vati nzvimbo yekuti, nyangwe igerwe nevanhu vavawana varipo, yave yavo – vachibva vaisa zvidhindho zvinotaridza zuva ravaita izvi, zvichibva zvachengetwa muzvinyorwa zvavo kubva musi uyu. Ndhiko kusaka David Livingstone akanzi ndhiye akatanga kuona mapopo eMosi oatunya, aakabva azotumidza kuti Victoria Falls, uyuwo Christopher Columbus akanzi ndhiye akatanga kuona America. Tsika dzekunamata chaidzo dzevemuAfrica dzakanzi hadzina maturo nokuda chete kwekuti dzainge dzisina padzakanyorwa. Ndhiko kusaka kubva kare kusvika nhasi uno vekuEurope vanoremekedza mafungiro echitendero nemanamatiro evechiJudha, vechiChapati (vechiIndia) vanotendera muchiHindu, nevamwe venyika dze Ezhiya (Asia) vanotendera muna Buddda vanosanganisira vekuJapan, vekuChaina (China), vekuVietnam zvichingodaro, nevechiChawa vanotendera muna Alah na Muhammad. Zvitendero zvose izvi zvakaremekedzwa nevekuEurope nekuti zvaiva zvakanyorwa. Asi zvevechidhaka (vanhu vemuAfrica) zvakatarisirwa pasipasi, zvikazvidzwa zvekupedzisira, kunyanyisa nekuda kwekuti painge pasina pakanyorwa kuti zvakamira sei, uye zvinotevedzwa nenzira dzipi. VekuEurope vakabva vadaidza zvitendero zvekuAfrica izvi kuti animism, kureva kuti izvo zvekutendera kuti pane mweya inotaura nemumiti, matombo nemakomo, mumhuka, mushiri, uye madzitateguru akafa (midzimu) anotaura nevapenyu nekuvatungamirira. VekuEurope vakatizve zvekutendera zvakadai mukati mevanhu vekuAfrica zvaifanira kudzimwa, zvichitsiviwa nechiKristu kana zvimwewo zvitendero zvine hunyorwa izvo. Nhasi uno kana pachitaurwa nezvekuti vezvitendero zvakasiyanasiyana vanoita hurukuro dzekupenengura kuti pavanowirirana ndhepapi uye pavanopesana ndhepapi, dziya dzinonzi muchirungu Interfaith dialogue, vanoremekedzwa vachinzi vanokodzera kupinda muhurukuro idzi ndhivava vezvitendero zvainge zvagara zviine hunyorwa chete. Venyika dzemuAfrica vanotopinda muhurukuro dzakadai sevaKristu kana vaChawa chete, zvinova zvitendero zvakabva kune mamwe marudzi. Panenge pasina wechidhaka anopinda muhurukuro idzi dzezvitendero akamiririra zvemanamatiro aiita vanhu vekuNigeria, vekuKenya, vekuZambia, vezasi kwaGurugudhera (ve South Africa), veZimbabwe kana vedzimwewo nharaunda dzeAfrica, zvaiitwa varungu vasati vasvika munyika idzi. Kureva kuti wechidhaka anopinda muhurukuro idzi anenge akamiririra varungu (kana ari muKristu) kana kuti maArab (kana ari muChawa).

    Zvekusakwanisa kunyora izvi zvaizosakisawo zvakare kuti vamwe vainge vaine hutungamiri pakati pevemuAfrica vanyoreswe muchinjikwa pamapepa ainge anyorwa zvinodiwa nevarungu, vatungamiri vemarudzi emuAfrica ava vobvuma zvirongwa zvevekuEurope izvi, asi pasina kana chimwechete chainzwisiswa nevemuAfrica ava pane zvakanyorwa nevarungu zvacho. Lobengula akaitiswa saizvozvi pakuuya kwakaita Rhodes muZimbabwe, akatozochechuka Rhodes neshamwari dzake voti nyika yeZimbabwe yose yava yavo, iye asingazive kuti ndhizvo zvazvaireva paakanyoreswa muchinjikwa uya musi wa 30 Gumiguru gore ra 1888. Kunyora muchinjikwa (vara rekuti X) kwaiitiswa vaya vainge vasingakwanise kunyora, nguva zhinji zvichiitwa vasina kutsanangudzirwa nerurimi rwavo, nemazvo, zvairehwa pavainge voisa muchinjikwa apa. Zvichida semuchinjikwa waJesu, michinjikwa iyi yakabva yazovatsitsirira nekutsitsirira vanhu vavo, kubva nguva iyoyo zvichienda mberi. Nekudaro munyori akaona zvichikosha samara kuva nechinyorwa chemaitiro epakuroora kana kuroorwa.

    Hongu zvinozivikanwa kuti izvo zvinochengetwa

    Enjoying the preview?
    Page 1 of 1